Monday 17 September 2012

Mazano kuna Save


Save, ndange ndichikumbira kumbokurumaiwo nzeve pakanyaya kadikidiki aka kanenge kari kuda kukunetsai.

Hongu Save mungagombuka zvenyu nezvakaitwa namuzvare Locardia. Asika Save zivaiyi kuti hakuna mukadzi asingarwe shanje. Pamakangopfimba vakadzi vari vaviri mungadai makatoziva kuti munofanira kugara makagadzirira kutonga nyanya dzeshanje.

Zvisinei hazvo Save chadeuka chadeuka mvuru yeguchu haiworerwi. Pave nenyaya yenyu apa pava kuda kuti imi muchidzikamisa pfungwa. Motsvaga zano rekupodza bopota rapinda munzanga yenyu. Nharo ihuni dzemudzambiringwa pabopoto. Dzinoita kuti rive mavirimi emoto.

Asiwo fungai pachikuru. Imi munozviziva wani kuti yatsika dope yanwa. Imi mungafunga kuti kwaKarimatsenga ndakatsika dope chete, asi mhuri yekwaKarimatsenga ichitoti makatobhaguja. Daka rakadaro haripedzwe nekunyombana. Dai iri hanzvadzi yenyu yakanzarwo, maisarodza mapfumo?

Rangarirai zvakare kuti nyaya dzerudo hadzidi kumhanya. Dzinopingirisha. Hamuonewo here kuti makamhanya pamakati nanzvei kwaKarimatsenga, gore risati rapera mabva manonombora futi kwaMacheka. Nyangwe dai uchidya zvinotapira zvinoda kuti munhu umbotura mafemo. Honai mava kukachidzwa.

Save, itai pachirume, vakai kitchen dzenyu mbiri paBuhera apa mokanda malady enyu pakitchen. Mapedza nazvo. Inga President Zuma vanongozviita wani.

Save, musakanganwa zvakare kuti makanoroora mumwedzi weMbudzi. Makanzi muripe imi mukati aiwa chiVanhu hachina basa. Zvino nhasi zvazvava kukumomoterai musatsvaga vamwe vekupomera. Pamakavambira rwendo rwenyu munopaziva. Ripai zvipere.

Chimwezve Save, musanyanyosanganisa munyu netsvigiri. Zvamanga maroora paChivanhu dai manga maramba makamira ipapo. Honai pamava kuda kupinza Chirungu ndipo ndipo pamabva masimudza mhepo dzirere zvadzo. Dzokerai kuChivanhu kusvika nyaya yenyu yadzikama. Izvi zvekufadza nyika nemuchato munozoita pave paya.

Save ndipo panguwo pandati pamwe ndingakubatsirai. Kana maona zano rangu risina rubetsero, aiwa munongosaira kwakadaro uko sedhumbu rechembere.

VaPunungwe

No comments:

Post a Comment